Web Analytics
Ikisimusi Sesifikile

Ikisimusi Sesifikile

Pesanai Dhliwayo 

Radical Poetry

Kisimusi yatosvika

Tatova munaZvita.

Inyasha kurarama musiki vazviita.

Gore richitanga taisafunga tinosvika.

Tinopemberera navose varikupinda musvitsa.

 

Ndafunga makare chingwa chakazara rusero.

Hupenyu hwaiva muchochororo.

Ndiani acharangarira mupeta wambuya Chidzero?

Harahwa dzichiraradza, kwaisanyimwana doro.

Ava mazvakemazvake ndumurwa dzakukoriwa nezvibhodhoro.

 

Tese tinozviziva Mwari haana bhavhadhi.

Zvakadaro hapana anorambidzwa kuva happy.

Farai nehama.

Nduridzaishe auya nedama.

Mhirizhonga kwete tsiva nemambama.

 

Misoro yevarandakadzi yovandudzwa.

Inguva yemafaro tokanganwa madzudzo.

Vanoshungurudza varandakadzi vari kuvharirwa.

Tinozosangana munaNdira zvizarira zvavhurwa.

Musafarisa izuva rimwe chete Mhanduwe.

 

Heyo chenjedzo, ngwarirai nhubu.

Mukasachenjera vamwe vanosara nenhumbu.

Musanwa zvese-zvese kuita vanaChigubhu.

Makudo echemisi ndemamwe,

Pakurasa hunhu musatevedzera vamwe.

 

 

Leave Comments

Top